ISBN-13: 9781505888034 / Shona / Miękka / 2015 / 150 str.
Zvakasangana neMunhu pakutanga, paakamuka kuzvisikwa, zvaive kuzara kweratidziro rwerudo RwaMwari ...mutsa waMwari zvakare kuyemurwa Mwari rudo ...zvakare rudo urwu rwaikwanisa kuva nezororo ...mukusangana ...nemunhu wemhando imwe chete pamwe nemucherechedzo Mwari vanokwanisa kuwana zororo Ravo chete mumunhu wemufananidzo nemucherechedzo mumwe Saivo ...munhu ane rudo rumwe chete seRwavo ...rudo rwemhando imwe chete neRwavo. Rudo runokwanisa kuwana zororo raro murudo zvakare Rudo runokwanisa kugutswa nerudo Rudo runoshuvira mumwe munhu wekuda ...Rudo runoda rudaviro rwemhando imwe chete pamwe nezvaruri zvimwe Mwari, mukusika Kwavo kwevanhu, vakagadzira munhu wekuti Vaigoverana naye kuenzana Mukusika Kwavo munhu, Mwari vakada nekugadzira munhu Wavaipa rudo Rwavo Vakashuvira rudaviro rumwe chete zvakare rwemhando imwe chete mumunhu iyeye, anodanwa kuti munhu Tarira, Munhu pachake anokwanisa kutenda pamwe nekudavira kurudo RwaMwari padanho rekuvonga. Chishuwo mumunhu chekuva muhukama naMwari chakaberekwa nokusangana kwekutanga nekuona kuyemurwa naMwari mukati mebindu. Kudzokera shure murudo rwekuyemura Rwavanopa ndiko kunopa rudaviro rwakafanira kurudo Rwake 1 Johani 4:19, "Tinomuda nokuti Ndiye akatanga kutida."